
_Nemutori wenhau_Musikana wechidiki uyo akaisirwa muchetura ari kupona muchipatara.
Musikana ane makore matanhatu uyu ari kurapwa muchipatara cheKgapane kuLimpopo mushure mokunge munin’ina wake ane makore maviri afa nemusi weMuvhuro manheru, 16 Nyamavhuvhu.
_*The sad story goes on like this*_
Amai vane makore makumi matatu nemashanu vakazviisira muchetura ivo nevana vavo mushure mokunge vakundikana kubhadhara R5 000 yebheriya, iyo yavaive vakashandisa zvisina tsarukano.
Musi weMuvhuro ndiro raive zuva rokupedzisa kubhadhara mari iyi. Mutauriri weMapurisa wekuLimpopo Brigadier Motlafela Mojapelo akati mapurisa ekuHlanganani ari kutsvagurudza nyaya yehumhondi iyi.
“Amai ava vakagadzira chikafu chavo nevana vavo vaviri. Vakashandisa muchetura unouraya kuisa muchikafu sezvo vaive vazvipira kupfuudza hupenyu hwavo nevana”, anodaro umwe murume.
“Vapedza kudya chikafu, amai nevana vavo vakatanga kurutsa nekupazha zvakaomarara.Vakanzwa mhere-mhere vakamhanya pachiitiko ichi vakamhanyisa amai nevana vavo kuRotterdam Clinic. Mwana ane makore maviri akafa achangosvika pachipatara, amai vakafa voendeswa kuKgapane Hospital uye ane makore matanhatu ari kupona muchipatara.