
Vashandi vepaSally Mugabe central Hospital vakuita tsvigiridzo yekusanganiswa kwevana sezvo pakaonekwa mumwe mukadzi akabuda asina mwana.
Mukadzi akaramba mwana nokuti aiti akazvara mwana mukomana asi akapihwa mwana musikana. Marecords anoratidza kuti akabatsirwa mwana mukomana.
Mwana musikana akagara muchipatara kwemazuva mashanu panguvai mukadzi wekubud asina mwana aimanikidzwa kuyamwisa mwana.
Hospital Clinicak Director Hopewell Mungani akaudza H-Metro kuti tsvagiridzo iri kuitwa.
“Chipatara chakatambira shoko rekuti kumaternity ward kwasanganiswa vana,” anodaro Mungani.
Mumiriri wemhuri Inviolata Shamuyarira akati chitapatara chakaita maDNA test uye airatidza kuti mwana ndewake. Mhuri ikuramba kuzvigamuchira uye, vakuda kuenda kudare kuti vapihwe mvumo yekuti vanoita matest kumwe.
“Hatisi kufara nemasanganisirwo akaitwa vana pachipatara apo marecords akauya airatidza kuti kwazvarwa mwana mukomana asi topihwa mwana musikana,”anodaro Shamuyarira.
Akaratidzwa mwana mukomana paakazvara uye akazoona kuti mbuya vakamuzvarisa vainge vamupa mwana asiriye.
Mukoti aiva pabasa akamunanikidza kuti ayamwise mwana uye akamubvunza kuti nei marecords ake aiti akazvara mwana mukomana.
Mukadzi uyu akabuda muchipatara nenyaya yekushungurudzwa nana mukoti avo vaiva pabasa uye vaimumanikidza kuyamwisa mwana musikana iye achiziva kuti akazvara mwana mukomana
Chipatara chiri kuda kutimanikidza kubvuma maresults sezvo amai vemwana vanga vasina kuitwa scan.
Mwana musikana uyu ariko kuchipatara nenhau yekusanganiswa.