
VaKomichi vati kuita sarudzo izvozvi kunongobatsira Zanu PF chete kuti ibire mavhoti. . . .
Bato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora ratanga kuudza Paramende kuti ione kuti sarudzo idzo dzisati dzaitwa dzimbomiswa zvachose, nokuda kwedenda reCovid-19 rinogona kupararira munyika vanhu pavange vari busy kuvhota.
VaMwonzora, gore rapfuura vanga vachitsvaga kuve mutungamiri webato rinopikisa muZimbabwe, mwedzi wapfuura vakasangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe chete nemutevedzeri wenyika, vaConstantino Chiwenga ndokukurukura zvomubatanidzwa we Polad.
Vatungamiriri veMDC-T vakaisa chikumbiro chekunonotswa kwesarudzo muParamende svondo rapfuura kusvika Covid-19 yapera zvichitevera zvakataurwa neZimbabwe Electoral Commission (ZEC) zvisina kuvajekera.
Mugore rapfuura bato rava Mwonzora rakadzinga ma MDC Alliance legislators nema councillors ose vachivapomera mhosva yokudyidzana nava Nelson Chamisa.
Zvirikunzi MDC-T irikuziva kuti kana sarudzo dzikaitwa payo panobva papera, inogona kurasikirwa nesimba rayo rayakatora zvechikiribidi kubva mumaoko avaChamisa, MDC-T irikutya kukwikwidzana nebato guru rinopikisa reMDC Alliance pamwechete nebato riri kutonga reZanu PF nokuti iyo MDC-T pachayo haisi kuzivikanwa muvanhu.
Sachigaro weMDC-T, vaMorgen Komichi vachitaura neThe Standard vanoti hurongwa hwekumiswa kwe sarudzo dzema by-elections hwakaziviswa muParamende kuti iongorore ione kuti hazvina kukodzera kuita ma by-elections panguva ino chirwere cheCovid-19 chirikuuraya vanhu.
Vachienderera mberi vaKomichi vanoti kana sarudzo idzi dzikaitwa Zanu-PF haizoiti sarudzo dzakasununguka ichitora mukana wekubira sarudzo nokuda kwedenda iri.
“Mukacherechedza zviri kuitika pari zvino, hapana rimwe bato rezvematongerwo enyika rinobvumidzwa kuita zvirongwa zvematongerwo enyika kusara kweZanu PF”.
“Mazuva ese, tinoona Zanu PF ichitaura kumisangano yayo yematunhu uye zvinenge zvisina kumira zvakanaka kuti mapato ezvematongerwo enyika atange kuunganidza vanhu munguva yedenda iri.” vanodaro vaKomichi.
VaKomichi vakati kuita sarudzo izvozvi kunongobatsira Zanu PF chete. — The Standard