
Iyi ndeimwe yemibvunzo iri kubvunzwa nevagari vemuVictoria Falls mushure mekunge chamupupuri chakarova nzvimbo yeVall Of Blessings International (VOBI) ndokuvhuvhuta padenga rechechi nemusi weSvondo masikati zvichitungamira vazhinji vesangano kutsvaga pokuhwanda.
Nhamba yevanhu yakati kuti yakamhanyiswa kuchipatara cheVictoria Falls nemaronda akasiyana siyana, vatatu vacho vaive vakakuvara zvakaipisisa.