
NewZimbabwe
Gurukota rezvemari nekusimudzirwa kwehupfumi, VaMthuli Ncube, vanoti Zimbabwe yarasikirwa neUS$42 Billion nekuda kwezvirango zvayakatemerwa nenyika dzekumawirira kubva muna 2003.
Mari iyi inodarika huwandu hwehupfumi hweZimbabwe zvakapetwa kaviri.
European Union neAmerica munguva pfupi yadarika dzakatemera Zimbabwe zvirango apo dzimwe nyika dzakaita seBritain neCanada dziri kutarisirwa kutevedzerawo.
Ivo vanonyanya kutaura kutyorwa kwekodzero dzevanhu uye kusakwana kwekuchinja kwezvematongerwo enyika nehupfumi senzira yekuwedzera zvirambidzo.