
The Standard — Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votaura kumusangano wechi 4 weInternational Renewable Energy Conference neExpo 2023 kuVictoria Falls neChishanu apo chirongwa ichi chiri kuramba chichikura zvisingaite.
VaMnangagwa, avo vanove zvakare mutsigiri wemusangano wepagore wakarongwa neThe Standard ichishanda nebazi rezvemagetsi nekusimudzirwa kwawo, vachange vachiuya kechipiri kumusangano uyu mushure mekutaura kwegore rapera.
Musangano uyu une dingindira rinoti: Managing The Future – Clean Energy Possibilities, uchapindwa nenyanzvi dzezvemagetsi epamusoro, vane mari, vezvemabhizimisi emagetsi egirinhi nevanoisa mari, pakati pevamwe.
Mukuru weAlpha Media Holdings (AMH) Kenias Mafukidze akati dingindira remusangano wegore rino rinoratidza mafambiro eZimbabwe, dunhu nepasi rose zvinofanira kuyambuka kuitira kuti pave neramangwana repasi rose rakachena uye kuvimbisa ramangwana kune zvizvarwa zvinotevera.
“Musangano uyu uchaburitsa mikaha nemikana iyo nyika dzemuAfrica dzinogona kubatsirikana nayo uye kuita kuti Africa isimukire pasi rose,” VaMafukidze vakadaro.
AMH ndivo vanodhinda The Standard, NewsDay, Zimbabwe Independent neSouthern Eye. Iri boka zvakare rine tele-radio platform, Heart and Soul..
Musangano wekutanga weInternational Renewable Energy Conference wakaitirwa kuNyanga kuchitiwo imwe miviri yakaitirwa kuVictoria Falls.
Musangano uyu unounza pamwe chete vamiriri vemamiriro ekunze, vagadziri vemagetsi vakazvimiririra, nyanzvi dzemagetsi, vamiriri, vanogadzira mitemo, vane mari, neveinishuwarenzi pakati pevamwe kuti vakurukure nzira nezve energy, pamwe nekuona kuti climate change yakamira sei.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?