
NewsDay
Mutungamiriri webato rinopikisa reSouth Africa, VaMmusi Maimane, vanoti bato riri kutonga reZanu PF richakundwa musarudzo dzemuna 2023 vachiti, “nguva yehuori yapera”.
VaMaimane, avo vave kutungamira One South Africa Movement mushure mekusiya bato reDemocratic Alliance, vati hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa haisi kuzobudirira gore rinouya, vachiti nyika yakavakidzana neSouth Africa haisi kuzobvumidza kubirwa kwesarudzo muZimbabwe.
Mmusi Maimane, “Gore rinouya, Zimbabwe ichange yakasununguka. SeSA, hatingafadzwe nekubirwa, kudzvanyirirwa kwevavhoti kana kunyimwa kodzero dzevavhoti Bvumirai vanhu kuvhota kusanganisira vari diaspora. Nguva yehuwori yapera,” Maimane akadaro nemusi weSvondo.
Mashoko avo akabuda pasina mwedzi mushure mekunge gwaro reCentral Intelligence Organisation (CIO) ratiwo Zanu PF inogona kukundwa musarudzo dzegore rinouya ichikundwa neCitizens Coalition for Change kana kuti CCC inotungamirwa naVaNelson Chamisa.