
Vakomana veKuwadzana vakabata chibharo nekudhakwisa mwanasikana wechidiki uyo aishaikwa vakamira pamberi pedare nezuro.
Kudzwai Musungo (21) naMarvelous Tshuma (25) vakamira pamberi pemutongi VaNgoni Nduna apo vakanzi vagare muchitokisi kusvika musi wa14 Gunyana.
Dare rakanzwa kuti vaviri ava vakatapa musikana ane makore 13 ekuberekwa aive munzira achibva kunotamba neshamwari yake vakamusunga muromo wake nejira kuti asanzwikwe kuchema kwake.
Vaviri ava vanonzi vakaenda naye kumba kwaTshuma uko kwavaipanana nguva yekurova sinhi remwana.