
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuZhombe vari kuferefeta nyaya yemurume anofungidzirwa kuti akapondwa nekurohwa muviri wose nevarume vatanhatu vanonzi vaiva vachitsividza kurohwa kwainge kwamboitwa mumwe wavo kare.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nemusi wa30 Chikunguru nenguva dza9 husiku – Leonard Gumbo – uyo anonzi ndiye akapondwa, ainwa doro naBrighton Mugwagwa anobva mubhuku raMahelo, mudunhu raMambo Gwesela kuZhombe, vari panzvimbo yemabhizimisi yeSengezi apo vakatanga kukakavadzana.
Insp Mahoko vanoti Gumbo anonzi akazorova Brighton Mugwagwa nezvibhakera kakawanda uyo akabva azoenda zvake kumba pasina kumhan’ara kumapurisa.
“Nemusi wa2 Nyamavhuvhu nenguva dza1 masikati, vatanhatu vanoti Steven Chivanga, Brighton Mugwagwa, Liberty Chivanga, Tendai Fortune Mugwagwa nevamwe vaviri, vose vemubhuku raMahelo, vanonzi vakaenda kumba kwaGumbo vaine rekeni neshamhu dzemuti wemupani ndokunotanga kumurova nekumupfura muviri wose,” vanodaro Insp Mahoko.
Nekuda kwekurohwa uku, Gumbo anonzi akabva angofira panzvimbo.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuZhombe kukasungwa Steven Chivanga, Brighton Mugwagwa naShadreck Mugwagwa avo vari kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.
“Vamwe vanosanganisira Liberty Chivanga, Tendai Fortune Mugwagwa nemumwe asina kuzivikanwa zita rake vachiri kutsvagwa nemapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.
Mapurisa vari kukumbira veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nenyaya iyi kuti vabatsire mukuwanikwa kwevamwe vari kudiwa ava. “Vane zvavanoziva ngavazivise mapurisa ose-ose kana kuridza nhare nekukanda matsamba mumasuggestion boxes edu kwavari ikoko,” vanodaro Insp Mahoko