
Vakadzi vaviri nemurume vanogara muHarare vakamira pamberi pedare nemhosva yekutengesa zvodhaka uye vakawanikwa vane mutoriro unoita iwo $1. 7 million.
Kudakwashe Charles Mapara(25), Gertrude Glenara(21) naNatasha Gamuchirai Chari (23) vskagariswa muchitokisi.
Musi wa24 August nenguva dza9 manheru, musi uyu maCID avakatambira shoko rekuti pane vanhu vakufamba nemota yeHonda Fit yesilver vakutengesa zvinodhaka. MaCID aya kavahwandira muna Kaguvi Street.
Glenara aityaira mota Honda Fit aina Chari apo vakasangana nemapurisa panaSamora Machel naRekai Tangwena Street.
Pakutairiswa kwaiitwa mota nemapurisa vakaona mapepa 4 emutoriro pasi seat remota izvo zvakaita kuti vasungwe. Mumba maMapara makatariswa mukaonekwa mapepa maviri emutoriro ne108g dagga.