
Mashoko atichangobva kutambira parizvino anoti, vaimbove mutungamiri wenyika yeZambia, VaRupiah Banda, vashaya. Vanga vava nemakore 85. VaBanda vakaberekerwa kuGwanda, Matabeleland South muZimbabwe.
VaRupiah Bwezani Banda vanga vari nyanzvi yezvematongerwo enyika yekuZambia, vakava mutungamiri wechi 4 wemuZambia. Vakatonga nyika yeZambia kubva muna 2008 kusvika 2011. Panguva yehutungamiri hwaKenneth Kaunda, vaBanda vaive nezvigaro zvakakosha zvehumiriri uye vaiita zvematongerwo enyika vari nhengo yeUnited National Independence Party.
VaBanda vakazvarwa muna February 19, 1937 (vanga vava nemakore 85) tinoti mweya wavo ngaurare murugare.