
Pindula.News
Vaimbova mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro, VaEnergy Mutodi, vanoti mutungamiri webato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, vari kuita mukurumbira nekuda kwemaitiro emukuru webato riri kutonga reZANU PF.
VaMutodi vati vanhu vakuru veZANU PF vari kurwisana nemajaya nemhandara.
“VaNelson Chamisa vari kuita mukurumbira nekuti chembere dzeZANU PF dzri kurwisana nemajaya nemhandara zveCCC. Chikumbiro changu ndechekuti ZANU PF imbundire vechidiki vayo, itore pfungwa itsva uye kuti irambe iri panyanga kupfuura 2023. ” vanodaro VaMutodi
VaChamisa avo vnemkore 44 okuberekwa vari kuita mukurumbira kunyangwe munzvimbo dzainge dzakasimba bato reZANU PF, izvo zvave kuzunguza bato riri kutonga.