
Varairidzi vokumbira kuHurumende kuti vauye nenzira yokuti vakwanise kupihwa masaisai (data bundles) emahara kuti vakwanise kudzidzisa vana vechikoro zvakanaka panguva ino yelockdown.
Izvi zvinouya mushure mokunge hurumende yoda kupinza chikamu chokuti vana vadzidze online sezvo Covid 19 yovhiringa kuti vanhu vaungane vachitaura vakatarisana.
Hurumende kuburikidza neMinistry of Education yange yoshandisa radio uye matelevision kuti vana vadzidze munzvimbo dzakasiyana dzomunyika.
Pari kudiwa nzira dzakati wandei dzokuti vana vawane zvidzidzo zvavo vari kumba. Vana vanogona kushandisa mawhatsapp kuti chikoro chifambire mberi.
Zvakadaro tave kukumbira Hurumende kuti vatiwanisewo madata bundles emahara tikwanise kuenderera mberi nokudzidzisa uye kuti ishandise mari yavakapihwa neUNICEF kutenga zvinodiwa kuvana vari munzvimbo dzakasarira kuti vadzidzewo nevamwe,anodaro Zhou.
Zvikoro hazvisati zvovhurwa asi pamwe September. Saka tave kuda vabereki vevana vatibatsaire kutengera vana manharembozha ane mawhatsapp toita zvidzidzo ipapo tichimirira kuvhurwa kwezvikoro.