
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, razivisa kuti temu yekutanga yapera richiti varairidzi havangarambe vachishandira pasina.
Boka revarairidzi rinoti mushure mekutambira mari dzavo dzemihoro nezuro zvabuda pachena kuti gurukota rezvemari VaMthuli Ncube negurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavima, havana kuterera zvavaida uye vakashora mihoro yevaranda yaFebruary.
“Vadzidzisi vawana mihoro yavo mishoma nhasi. VaMthuli Ncube naProf P Mavima vakashaya hanya nezvataida ndokudzosa mihoro yevaranda yakafanana neyaKukadzi. Varairidzi vakanda mapfumo pasi.
“Nhasi ndipo paperera temu yekutanga. Hapana dzidziso ichaitwa kudzamara mihoro yawongororwa #Teachers4USD, @MutasaPeter, @DrivenChapman.”
Zviri pachena kuti mashoko ari kuti hurumende yapa nhengo dzebazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika mari dzemihoro ne400%, sezvo iri kutya kumukirwa sarudzo dzisati dzaitwa.
Mumakore apfuura, vadzidzisi vanga vachichema-chema kuti nhengo dzebazi rezvekuchengetedzwa kwenyika dzaibatwa zviri nani kupinda ivo.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?