
Vadzidzisi vechikadzi havafanire kumira pamberi pevachiri kuyaruka vakapfeka masiketi mapfupi ari madikidiki nebhutsu 8-inch. Naizvozvo Ministry Of Education inofanira kucherechedza nyaya iyi.
Zvinokanganisa hunyanzvi hwekudzidzisa nekudzidza.
Vadzidzisi vakare vaipfeka zvine mwero, asi iyezvino vadzidzisi vave kupfeka zvidiki izvo zvinokwezva vadzidzi zvichizovakanganisa pakudzidza.
Zvinogoneka kuti mudzidzisi wechikadzi apfeke zvine mwero uye achiramba achingoratidzika zvakanaka pasina kukwezva vadzidzi vake vechirume varikuyaruka.