
Dambudziko rekudzikira kweupfumi muZimbabwe rakawedzerwa nedenda reCovid-19 rasiya vashandi vanopa varume bonde munyika yese vachinetseka nevamwe vachifunga kusiya basa iri zvakare.
Vanoita zvebonde mumatunhu eMashonaland Central neMashonaland East vakaudza vatori venhau pamusangano weNational Aids Council (NAC) – kuti hupenyu hwovamomera sezvo vasisawane mari nokuda kwekuchinja kwezvinhu munyika.
KuDema, vashandi vezvebonde vakati vave kushandisa muviri yavo kuchinjanisa nechibage kana nzungu chaidzo.