
Ukraine Defence intelligence directorate inoti Mutevedzeri wekutanga wemauto eRussia uye-zve arimukuru, Chief of Staff we41st Combined Arms Army Major General Vitaliy Gerasimov aurayiwa muKharkiv nemauto eUkraine.
Kuuraiwa kwaitwa Commander uyu nhasi mambakwedza kwaita kuti parizvino Ukraine ikwanise kuuraya commander maviri eRussia akakosha muhunyanzvi hwehondo.
Nokudaro zvirikunzi president weku Russia va Putin vatsamwa zvisingaite zvokuti hameno kuti nhasi zvinopera mushe here ku Ukraine uko.
Zvirikunzi Commander Vitaly Gerasimov akakwidziridzwa muzvidavado zvechipiri zvokugona hondo yechi Russian oparesheni training muSiriya. Afa nhasi mambakwedza paita kurwisana kukuru kwe underground.
Parizvino zvirikunzi pfuti dzambomira kuridzwa asi mauto eRussia achiri akapamba guta reKharkiv akaita rekurikomberedza hapana arikukwanisa kubudamo kana kupindamo.