
Mukadzi wekuuraya vana vake 4 kuChivhu, Emelda Marizanhi akawanikwa vaine mhosva ina dzekuponda.
Achatongwa musi wa24 Kurume 2023.
Inyaya yedare kuti Marizanhi akaisira vana vake vana muchetura muna Mbudzi 2020 uye paakafunga kuti vangangorarama, akatora banga ndokuvagura musoro.
Akatorawo muchetura umwechete achiedza kuzviuraya asi akararama.
Mudare, akaedza kupomera zviito achiti airwara nepfungwa, asi chiremba akamuongorora akaona kuti pfungwa dzake dzakagadzikana.
Hona Zvakaitwa Nemukadzi Uyu
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?