
Murume chidhakwa ane makore makumi maviri ekuberekwa wemu Old Lobengula akasungwa nekurova mumwe musikana zvakaomarara mushure mokuramba mukomana uyu.
Sekurehwa kwenyaya iyi, Hillary Maphosa (20) akaenda kuna Gugulethu Mpala (18) ndokumukumbira rudo kwaari.
Gugulethu akaudza pachena Hillary kuti aisamufarira uye akaramba chikumbiro chake cherudo. Izvo hazvina kudzika zvakanaka naHillary uyo akamubata neruoko rwake ndokurumonyorora.
Akazomurova nezvibhakera mumusoro uye kumeso, ”akadaro mumwe munhu aiona chiitiko ichi. Musikana uyu akabva afenda.