Murume uye watakaona pane rimwe video riri kutenderedzwa pa-social media achibvunzurudzwa kuti sei aituka mutungamiri wenyika asi asina kutuka VaChamisa. Murume uyu taive tisina chokwadi chekuti akatuka mutungamiri wenyika here kana kuti kwete.
Zvisinei zvazobuda pachena kuti zvechokwadi vakatuka mutungamiriri wenyika sezvatiri kunzwa pa-video riri pano apo murume uyu aituka mumwe wake apo vaive mu-barber shop. Murume uyu atuka mumwe wake achimuudza kuti akapusa anotsigira Zanu Pf.
Tamunzwawo achiti: “Hauna mari iwe uri muroja. Ukaona munhu wose anoroja ano-supporter Zanu Pf nekuti haana kwekuenda. Ini handitye kuudza Mnangagwa kuti mhãtæ yako uye hapana zvaunondiita.”
Zvinzwire wega mashoko akaipa aibuda mumuromo memurume uyu pa-video riri pano.
By Tete Jolah Msalad