
United Kingdom yatemera company yeSakunda Holdings ma-sanction pamwe chete nemubatsiri weZanu PF, VaKudakwashe Regimond Tagwirei.
Tagwirei, mubatsiri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, akadomwa pakati pevamwe vana apo munyori wezvekune dzimwe nyika weUK kuDominic Raab akazivisa zvimwe zvirango kune vanhu vari pasi pehutongi hweBritain Global Anti-Corruption.
UK yakatsanangura nhoroondo yaTagwirei ichiti: “Company yeSakunda yavaTagwirei, irikubatsira vakuru venyika yeZimbabwe pakuita huori uho hurikukonzeresa kuti vamwe vanhu vatambure munyika
Raab akapomera Tagwirei mhosva yokutungamirira huori munyika, zvichikonzera kusagadzikana kwehupfumi.
Company yeSakunda Holdings, irikupomerwa mhosva yokubatsiridza huori kuhurumende yeZimbabwe Treasury Bills zvirikunze kwemutemo izvo zvakakonzeresa kushomeka kwemari munyika.
VaTagwirei vakaisirwawo zvirango zveUnited States, vachipomerwa huwori pamwe nokuita zvisina kujeka muZimbabwe ne company yavo.
UK noti yakazvipira kurwisa huori hwehuwori huri muZimbabwe kusvikira hwapera uye nokupa avo vane mhosva yehuori ma sanction.
Huori hunopedza hupfumi hwevarombo uye hunoita kuti varombo vafe vachitambura. — Newsday