
The Standard — Hurumende iri kurwisana nedambudziko idzva remihoro yevashandi vayo mushure mekunge Treasury yaita reverse mari yakapihwa nhengo dzemauto enyika pamwe nevezvemitemo.
Treasury yakamanikidzwa kuita reverse mari inopfuura mazana mana kubva muzana yakapihwa masoja, mapurisa neveCentral Intelligence Organisation (CIO) sezvo mari yemuhoro ichinzi haichakwani, rinodaro Guhwa munyika.
Chinyorwa ichi chaburitsa kuti vakuru veCIO vari kufema moto unopisa zvichitevera kushanduka kwaita zvinhu, izvo zvinonzi zvazoita kuti vakuru vemapazi vadaidzire nhaurirano nechimbichimbi svondo rino.
Hurumende yakawedzera mari dzemihoro yenhengo dzebazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika nezvikamu mazana mana kubva muzana 400% mwedzi uno, izvo zvakaona mushandi wepasi pasi achitambira $450 000 pamwe neUS$250 asi achibva varatidza kushaya hanya nevamwe vashandi vehurumende.
Mushure meizvi, zvakazoonekwa pasara maawa mashoma kuti mari dzakatarwa idzi hadzikwani mushure mekunge dzaiswa mumaakaundi ekumabhanga zvichitevera chirevo cheSalary Service Bureau (SSB).
Vakuru vehurumende vanoti bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe rinoti danho rekuti vawedzere mari dzemihoro nezvikamu zvinodarika mazana mana kubva muzana 400% harina kumira zvakanaka uye rinogona kukonzera kukwira kwemitengo yezvinhu.
Bepanhau reThe Standard, rinoziviswa kuti vepamusoro-soro, avo vakanga vatonotora mari dzavo kubhanga, mari idzodzo vachazodzibatirwa pavanotambira pamuhoro wemwedzi unouya.
Vakuru veCIO vanoti vakaudzwa kuti mari dzemihoro dzakawedzerwa vasati vataurirana nemamwe vanoona nezvekufambiswa kwemari dzemihoro yevashandi vehurumende.
“Kukurukurirana mukati kwakaratidza kuti mapurisa akanga atanga kuratidza kusagutsikana nemari dzemihoro.
“Izvi zvakabva zvamanikidza hurumende kuti iwedzere mari dzemihoro nechimbi chimbi kuti dzibvise kutsamwa.
Mashoko akaunganidzwa nebepanhau reThe Standard anoratidza kuti kubva nemusi weChina kusvika nezuro, mabhanga emunyika anga akavharwa nemibvunzo nenhengo dzemapurisa mushure mekunge vatadza kuwana mihoro yavo.
Mumwe mukuru webhanga akataura nebepanhau reThe Standard asi asina kuda kudomwa nezita ati hurumende haisati yaisa mihoro iyi.
“Vashandi vehurumende vari kutadza kuwana mari iyi nekuti mushandirwi haana kuisa mari,” anodaro mukuru uyu.
“Hapana zvatingaite, mushandirwi ngaaise mari.
“Parizvino havasi kuzokwanisa kuwana mari iyi. Izvi zviri kukanganisa mari yemuno neyekunze.”
Vadzidzisi, zvisinei, vakakwanisa kuwana mihoro yavo nekuti havana kukanganiswa nekuvhiringika uku.
Gurukota rezvevashandi vehurumende, VaPaul Mavima, vanga vasingadaire nharembozha nezuro.
Munyori mubazi rezvemari, VaGeorge Guvamatanga, havana kupindura mashoko avakatumirwa. Ndokubva a-ignowa judavira macalls.
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNdabaningi Mangwana, vange vasinawo kupindura mibvunzo yavakatumirwa.
Hurumende yaipomerwa mhosva yekurerekera kune vemauto, vachiratidza kushaya hanya nedambudziko revadzidzisi avo vanova vashandi vehurumende vanotambira mari shoma.
Nhaurirano dzemihoro yevarairidzi pasi peNational Joint Negotiating Council dzakambosendekwa parutivi nemusi weChina kekutanga gore rino kusvika mangwana.
Vadzidzisi vave kuda mari inosvika US$1000 pamwedzi kuti vakwanise kurarama sezvo mari yemunyika iri kuramba ichidzikira ukuwo mitengo yezvinhu ichikwira kunyange nemari yekunze.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?