
Ndakarohwa na Mai Mufundisi na mai mufundisi vakandikumura pant zvino ndavekuenda kumwedzi non stop.
Ndaive munhu airarama nekutengesa ndokubva mai mufundisi vakwereta machira nema Jeans emurume wavo panova ndipo pakatangira nyaya ndavekubvunza mari yangu.
Mai Mufundisi vakatanga kundituka kuti hure vachindipopotera pakazara vanhu vachindidzinga pa church. Ndakavataurira kuti vandipe mari yangu ndokubva vapinda mumba kunoitira tsvina mu bucket vakabuda nayo panze paive nesangano rese vachida kundidira ndokubatwa nevamwe vanhu.
Bishop wechurch iyi akabva avaudza kuti tangai kurova munhu muone kuti hatipindire here, nokudaro vakandirova sangano rese rikapindira. Ndakawisirwa pasi ndokubviswa pant ndichirohwa nekurumwa vanhu vachifara vachiti mariona pant rehure.
Ndakaenda kunomhan’ara kumapurisa mai mufundisi nevanwe vakadzi vakasungwa ndokubatsirwa kubuda na amainini vangu chaivo kubuda ndokubva vavatamisa