
Ndirikudyirwa mukadzi nemuzukuru.
Ndisati ndaroora mukadzi wangu akambodanana nemuzukuru wangu vakambofara kwechinguva ndokuzorambana. Ndakazotorwa moyo nerunako rwetsvarakadenga iyi ndikaikanda shoko ikadyira tikapinda murudo ndokuwanana tikagara makore murudo nerunyararo.
Ndakazopihwa phone nemukoma wake kuti ndigadzire ndokuwana ma message s amaiguru ava nemukadzi wangu nemupfana uya vachitaura zvairatiza kuti vaviri ava vachiri murudo uye maiguru vanozviziva.
Ndakabaiwa moyo asi handina kuzvitaura. Ndakakanganisika zvekuti ndakabva ndave addicted nema drugs asi mukadzi wangu ndomuda ndirikungoda sorry yake chete.