
Murume aive akapfeka yunifomu yemapurisa akasungwa mushure mekunge apinda mune chimwe chitoro akabvuta maserura maviri asati aita rutsoka ndibereke achitiza nawo.
Muridzi wechitoro ichi, Tonderayi Mureya, akarondedzera chiitiko ichi.
“Panguva yekudya kwemasikati ini ndaive ndakagara zvangu muchitoro. Robert Chareramambo uyo aive akapfeka yunifomu yeZimbabwe Republic Police akapinda muchitoro changu. Akakumbira kuona nharembozha yeHuawei G8. Ndakamupa. Akaenderera mberi nekukumbira kuona nharembozha yeHuawei GR5 ndokuratidza kuti aida kutenga nhare mbiri idzi, ”akadaro Mureya.
Mureya anoti akazoona murume uyu otiza nenharembozha mbiri idzi. Akaedza kutevera asi zvakashaya basa.
Vanhu vakaedzawo kudzingirira mupurisa wenhema uyu asi zvakashaya basa.