
Landline phone ye data service operator, TelOne, yamisa vashandi vayo basa avo vasina kubayirwa jekiseni kuti vambozorora nokukasika uye vakabvisa mari yeCovid-19 kune avo vese vari muchikamu chimwe chete, sedanho rokudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.
TelOne yakurudzira vashandi vayo kuti vabayiwe majekiseni awa arikupihwa munhu wese mahara, parizvino mashoko arikuti vanhu vamiswa basa paTelOne vanosvika 25 percent.
Mukuru weTelOne VaHopewell Zinyau, yati iri idanho rekusimbisa pamwechete mokudzovirira vashandi vavo vemu mahofisi kuitira kuti vasatapurirwe chirwere che-Covid-19.
Pasi pegadziriro iyi, vashandi vakapatsanurwa kuita mapoka maviri rimwe boka rinoshanda riri kumba uye rimwe richishanda riri kumahofisi.
Vashandi vanokurudzirwa kuti kana vachinge vatadza kubayiwa pachavo, kambani inogona kutora matanho ekurwisa vasina kubayiwa kuitira kuchengetedza vashandi vakabayiwa. — Herald