
Vechidiki veZanu PF nemusi weChitatu vanofungidzirwa kuti vakapinda papurazi remhare muhondo uye muzvinabhizimusi VaFred Mutanda, vachimupomera mhosva yekubatana naVice-President Constantino, Chiwenga neMutongi Justice George Chiweshe kudzikisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nekupokana nekuwedzerwa nguva yekushanda kwaChief Justice (CJ) Luke Malaba.