
Zvaisave nyore kuna Godfrey Sibanda kuona amai vake nyakutumbura vogara neumwe murume mushure mokufa kwababa vake uye vaviri ava votouya kuzogara pamba pavo zviri mumeso ake.
Zvakadaro Godfrey akatanga kurova Stepfather vake uye achivapomera kuuraya baba vake. Amai vake, Mavis SIbanda (55) vanoti Godfrey haana mvumo yekurova murume wavo Mhlupheki Khabo (57) sezvo imba iri yavo uye vakaisawo ruoko pakutengwa kwayo.
Sibanda anoti anoedza nepose paanogona kuudza mwanakomana wake kuti anoda Khabo zvakaomarara, asi Godfrey haasi kuda baba ava pamba pavo.
Izvi zvoita kuti Mavis apihwe gwaro rorunyararo kumapurisa sezvo Godfrey otonetsa pamba apa.
Khabo ndiye anotenga chikafu pamba nezvose zvinodiwa asi hameno kuti Godfrey ari kumuvengerei.
Mapurisa ndiwo oga angakwanise kugadzirisa nyaya iyi.