
HURUMENDE nhasi iri kutarisirwa kupindura chikumbiro chevaimbova gurukota reCabinet, VaIgnatius Chombo avo vari kupokana nenyaya dzekuti vakatora ivhu, vakagadzira masitendi ekugara uye kubiridzira vanhu vaida dzimba.
VaChombo mwedzi wapfuura vakaita chikumbiro vachipokana nekuiswa kwavo parend vachipokana kuti hapana hukama pakati pake nemhosva dzinofungidzirwa.
Vachuchisi vanotarisirwa kupindura chikumbiro ichi mushure mekutsvaga kumbomiswa kwemasvondo maviri, vachiti vanofanirwa kutora magwaro ane chekuita nenyaya iyi.
Gweta ravo VaLovemore Madhuku vakapokana nekumbomiswa uku ndokuudza dare kuti Hurumende iri kushandisa chinzvimbo chaVaChombo zvisirizvo, ichizvuzvurudza makumbo uye ichitora nyaya yavo senzira yepamusoro.