
Dare repamusoro reGauteng muJohannesburg rapa bato reEFF mvumo yekuti rienderere mberi nehurongwa hweNational Shutdown nemusi weMuvhuro. Izvi zvakaitika mushure mekunge DA yaisa chikumbiro kudare nechimbichimbi neChishanu ichiti National Shutdown iyi haisi pamutemo
Dare rakapa mvumo kuEFF kuti ienderere mberi nekumisa basa paine zvitsidzo zvinotevera:
1). Bato reEFF rakarambidzwa kusimudzira, kukurudzira kana kuronga kuvharwa kwemigwagwa kana njanji uye chero maitiro asiri pamutemo, pamwe nekukurudzira mhirizhonga.
2). Dare rakatiwo EFF izivise nhengo, vashandi nevakuru vakuru vayo pamwe nevanhu vese vayakanga yapa chiziviso che-shutdown ichi kuburikidza nesocial media, neemail uye nedzimwe nzira dzese dzakakodzera dziripo kwairi , pasati papfuura 17:00 musi weMugovera.
Bato reEFF rakurudzira vanhu vemuSouth Africa kuti vapinde mumigwagwa nemusi weMuvhuro vachiratidzira nenyaya yekudzima magetsi uye yakurudzira mutungamiri wenyika, VaCyril Ramaphosa, kuti vasiye basa. Bato iri rakayambirawo mabhizinesi kuti avhare pazuva iri.
Mutungamiriri wenyika, VaCyril Ramaphosa, vari kuvimbisa kuti vachatora matanho nekuchimbidza kuti vasatyisidzirwa nevaratidziri nemusi weMuvhuro.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?