
Mapurisa ekuThika ari kutsvagurudza nyaya yeumwe murume ane makore makumi mana nematanhatu uyo akafenda akabva atofirapo mumotokari yake apo aidashura sinhi zvakaomarara.
Nyaya iyi inotaridza kuti John Gicharu Gacharu aive panguva yakanaka nomudiwa wake mumotokari yake yerudzi rweSubaru uyo ane makore makumi maviri nemashanu,akangodeedzwa saApofia Thuita Oyego.
Maererano nemurindi Ann Kemunto wemunzvimbo iyi uyo akaripota nyaya iyi kumapurisa,akati Gacheru muridzi weSubaru Reg number KCJ 530C akafa kuma0000hrs.
Achisvika panzvimbo,chikwata cheDCI uye mapurisa vakaona mutumbi waGacheru usina hupenyu uye Mukadzi aive akamira pedyo nawo.Mapurisa akanzwa kuti vaviri ava vakange vane gore vachidanana.
Mapurisa akaenderera mberi nebasa akawana Ksh 850,iPhone 6 uye makiyi emotokari.
Mapurisa akaona zvakare kuti nhengo yaGacheru yaive yasvava.
Mutumbi wake wakatorwa ukaendeswa kuGeneral Kago Hospital kuti unoonekwa.Mudiwa wake akaendeswa kumapurisa.