
Mukadzi anobva muKwekwe, uyo aive ashanyira mudiwa wake muBulawayo North End surbub, akabviswa mbatya nekubatwa chibharo nevarume vanosvika (4).
Musikana uyu ane makore (26) akataurirana nemudiwa wake akusvika, mudiwa wake akamuti atsvage kwekurara kuLodge nekuti kumba kwake kwaive nevaenzi.
Kwava kuma 8 manheru, mudiwa wake akachaya zvakare runhare akati musikana achiuya kumba sezvo vaenzi vaive vaenda. Musikana haana kutora nguva ari mukamuri umu akabva anokwira Honda fit yaakaona paakabuda gedhi repalodge.
Mumota umu maive nevarume vanokwana ivo vana vamwe vaviri vaive vagere kuboot.
Honda fit yakatyairwa yakanange kumba kwemudiwa wemusikana uyu asi yakazochinja route ikange yonanga musango.
Mutyairi akamisa mota musikana achida kunzwisisa zvaitora nzvimbo, murume aive akagara kuseri kwake akamunongedzera nebanga, akamuti ateerere zvaaiudzwa. .
Varume vaviri vakabuda mubhutu mavaive vari.
Mumwe akabvarura mbatya yekumusoro yaaive akapfeka, mumwe akapedzisa kukurura zvaive zvasara nekubvarura chipfeko chemukati.
Vakaita kuti apfugame, vakatanga kuchinjana vachimurova sinhi vese vari vana.
Vapedza kurara naye vakatora mari yake US$20 neR300 nerunhare rwake, vakatora zvakare bhegi rake raive nembatya dzake, nema-tracksuits.
Vakatiza panzvimbo iyi vakamusiya musango, akataurira mapurisa ekuKhumalo.