
Hechino chiitiko chinokatyamadza, mukomana ane makore 15 okuberekwa wekuPelandaba West muBulawayo akasungwa achipomerwa mhosva yekuita zvepabonde nemuzukurusikana wake ane makore gumi nemaviri 12 okuberekwa ndokubva abatira pamuviri.
Pakanga pave pakati pehusiku apo musikana uyu akarairwa nemukoma wake ane makore 17 okuberekwa kuti aende kunoendesa bhutsu kune anonzi akapara mhosva.
Paakasvika pamba peanonzi akapara mhosva, nyakubhinya akamuwana ari ega ndokubva amudhonzera mumba ndokubva aradzikwa pamubhedha.
Izvi zvose zviri kunzi zvakaitika pasina kuwiriranwa, muzukurusikana akaitwa zvekusundidzirwa pamubhedha, ndokumumanikidza kuita kuita bonde naye kamwe chete pasina kupfeka condom, rinodaro shoko racho kubva kumapurisa.
Mushure meizvozvo, mumhan’ari akaenda kumba kwake uye haana waakaudza.
Nyaya iyi yakazobuda pachena musi wa5 Kurume, apo amai vemusikana vakaziva kuti mwana wavo akanga ava nenhumbu.
Paakabvunzwa ndipo apo musikana wacho akazivisa kuti akanga amanikidzwa kuita bonde nekasekuru kake.
Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa uye ongororo yakaita kuti mukomana uyu asungwe.
Mumhan’ari akaendeswa kuchipatara cheMpilo kunoongororwa nachiremba.
— BMetro
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?