
Comedian Anna ‘Chibaby’ Honde arikushora aimbove mukomana wake DJ Shugeta zita chairo Tafadzwa Shugeta vakataura pachena zvakaitika pakati pavo kuti varambane.
Kurambana kwevaviri ava mwedzi wapera kwakatenderera pasocial media, Shugetta akasvika pakuchema paFacebook.
Vaviri ava vakaonekwa pachena paruzhinji kekutanga kubva zuva
ravakarambana.
Vakaburitsa nezve kudanana kwavo panguva yemutambo weMangungundengu.
Achibvunzwa kuti chii chakakanganisika pakati pavo Anna akati Shugeta ari kudanana nevakadzi vakawanda.
“Ndanga ndisingade kuzvitaura kuti Tafadzwa cheated… me,” anodaro Anna.
Akaenderera mberi achiti, akaona vanhu vaaitaura navo zverudo paphone uye kune vanhu vanga vari mumota mak vakanzwa zvaaitaura paphone pake.
“Ini ndaive nevanhu vaiuya neplatform yangu nemaV11s, nhamba dzake dzainge dziripo apo Tafadzwa aitaura nevasikana vakasiyana.”
Tafadzwa akaramba zvaitaurwa izvi achiti airemekedza Anna uye haana mumwe munhu waaidanana naye panguva yavainge vachiri kudanana.
“Kubva zvandatanga kudanana naAnna handina kumbobvira ndanyenga mumwe musikana, uye handirangariri ndichidanana nemumwe munhu.Anna ndakamuremekedza semukadzi wangu, ”akadaro Shugeta.
Shugeta akatsanangura kuti akanga akaronga kuitira Anna zvinhu zvikuru izvo zvaifanira kuzoburitswa paNashTV asi zvakaramba kuitika nokuti akange arambwa.
“Inini handina mari asi ndaida kuti kubatanidzwa kwedu kuve kunoshamisa. Pandakanzwa kuti anga ari paNash TV, ndakataura na Butterfly kuti andibvumidze kuti ndiuye kuzoita zvandaida kuita.
“Butterfly akabvuma, asi Anna akati Kwete uye taidakubvisa pakaramba Anna kuti vanhu varege kuchiona. Asi shamwari dzake dzarecorder nemaphone avo, vakazvitumira pasocial media….
“Pave nemazuva ndipo pandakaudzwa neshamwari dzangu kuti Anna akandiramba pasocial media uye zvaitenderera,” akadaro Shugeta.
Zvisinei Anna akati kusavimbika kwaShugeta handicho chikonzero chikuru chakaita kuti amurambe.
Anna abvunzwa kuti nei akaramba Mudiwa wake asi akaramba kutaura