
Murume afa achangosvika muchipatara mushure mokubayiwa nemuvakidzani wake uyo akagumbuka paakanzi aive akumbira lula-lula kumukadzi wemuvakidzani senzira yomubhadharo wekumugadzirira bhutsu.
Mukadzi wemushakabvu Pretty Robson (21) akaudza murume wake Brighton Mandishona (29) kuti Nkosilathi Ncube (39) anoita zvekusona aive achidhimanda lula-lula kubva kwaari senzira yomubhadharo webhutsu yaaive amugadzirira muna Chikumi.
Svondo rino musi weMuvhuro kuma7:30 manheru Ncube akasangana naMandishona amire pagedhi rake kuMkokoba suburb.Mandishona akaudza Ncube kuti aida kuzosangana naye zuva raitevera.
Ncube akafunga kuti Mandishona aida kumubvunza nezvekukumbira kwaaive aita lula- lula kumukadzi waMandishona.Ncube akaita ruzha kuna Mandishona izvo zvakamutsa hondo yakaomarara pavaviri ava.
Mandishona airova zvibhakera zvisina tsitsi kuna Ncube,paakaona kuti haaikundi hondo iyi Ncube akakwanisa kutiza akananga kumba kwake.
Ncube haana kutora chinguva akabva atonanga zvakare kumba kwaMandishona.
“Akagogodza pamusiwo akati aida kuona murume wangu.Vakabuda panze vakamira paruvanze.Pasina chinguva ndakanzwa ruzha,pandakabuda ndakaona murume wangu achikamhina achikumbira rubatsiro.Ndakamhanya kunoona chaitora nzvimbo ndikaona kuti aive abayiwa nebanga naNcube. Ropa raibuda raive rakawandisa”,akarondedzera Pretty.
Takamhanyisa murume wangu kuMpilo hospital asi akafa achangosvika pachipatara.
Mapurisa nemaCID akabva atotanga kutsvaga Ncube uye akazobatwa akasungwa nokuda kwehumhondi.