
Vanhu vatatu vakafa zvisinganzwisisike padyo nedhamu kuBata Farm kuBindura.Munhu wechina akafira muchipatara neMuvhuro.
Mifananidzo yevashakabvu iri kutenderera pasocial media uye mibvunzo yakatanga kuti chii chingave chakakonzera kufa kwevatatu vakawanikwa vakarara pasi vakafa, kure nemota yavaifamba nayo.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vakatsinhira nyaya iyi.