
Ma-War Vets anokwan 9 ayo akarwa hondo yeChimurenga akasungwa nemusi weChitatu mushure mekunoita ruzha pamahofisi egurukota rezvemari, vaMthuli Ncube vachiratidzira vachiramba mari shoma yemudyandigere yavarikupihwa iyo yavarikuti haichatengi chinhu.
Pakasvika Ma-War Vets awa pama hofisi ava Mthuli Ncube vakatanga kuita ruzha vachida kuona gurukota rezvemari, pakarepo vakabva vakombwa nemaporisa ndokutakurwa ndokunovharirwa muchitokisi.
Vaburitswa vasina kumbotongwa chinova chiratidzo chokuti nyaya yacho haina musoro.