
Mukadzi anobva kuChiweshe anemurume akafa mujeri kuBindura Police station arikuda mari inosvika Us $8.5 million kuna General Godwin Matanga nekusiya murume wake achifira mujeri.
Mufi Eugene Marangwanda akatorwa nemapurisa kumba kwake kuChiweshe gore rakapera nekupomerwa mhosva yekuuraya. Mukusungwa kwaakaitwa kuBindura magistrate, Marangwanda akafira mumaoko emapurisa.
Akasiya mhuri yake, Cathrine Waveremhaka, Faith Marangwanda, Nokutenda Marangwanda naNyasha Marangwanda varikurwadziwa nekufa kwakaita baba vavo.
Mhuri yemurume uyu inopomera Detective Constable Hukurawa na Detective Chief Inspector Mapepeta kuti vakauraisa murume wavo, nekusagona kumuchengetedza mujeri.
Mukadzi wemurume uyu anoti arikuda mari yekusiya murume wake achifa mujeri.
Marangwanda akatorwa kubva kumba kwake kuChiweshe achiendeswa kuBindura Central Police station kwaakanogara mujeri.
Akazoendeswa kuBindure Magistrate court muna September kwaakanotongerwa makore ake arimujeri, akazodzoserwa kuBindura police station.
Mukugara kwake mujeri, Assistant Inspector Ganye vakafonera mhuri yake achizivisa kufa kwaMurangwanda.
Mukadzi waMarangwanda anoti kufa kwakaita murume wake mapurisa ndiwo akakonzeresa.