
Mukadzi anobva kuHeadlands asungwa mushure mekurova mwana wake mukomana mekuzviitira tsvina,tsvina, vasati vatakura mutumbi wemwana kumusana wake achimuendesa kumba kwaamwene vake maRusape. Mutautiri wemapurisa kuManicaland Inspector Luxon Chanada vati vasunga Definite Mudevairi nekuuraya kwaaita mwana wake, Knowledge Chedondo.
Chananda anoti musiwa August 10 makuseni na8 am, Chedondo akazviitira tsvina uye akanowanda achitiza Mudevairi akashandisa tsvimbo. Mwana akatanga kurwara.
Musiwa 14 August, Mudevairi akaedza kuenda kunobatsirwa kuti mwana wake arapwe asi akafira munzira.
Mukadzi uyu akatakura mwana wake kumusana akaenda naye kumba kwagogo vake, Diana Mupoperi kwaRusape.
Mupoperi paakaona kuti mutumbi wemuzukuru wake wakazara maronda akaenda kunoudza mapurisa, zvakaita kuti mukadzi uyu asungwe.