
Vakadzi ava ndakavaroora kuti vandibatsire, ndakarega positori hapana zvandinenge ndaita, tinenge company handiende kubasa, tinoita mabasa ekurima pasina vakadzi ava tinofa nenzara.
Vakadzi vangu vatatu wekutanga haasisipo, Mukadzi wechipiri ndakamuroora ane makore (12) akaita vana vashanu, vatatu vakashaya akasara nevaviri iye zvino ave nemakore (22), wechitatu ndakamuroora aive nemakore (12) ane vana vaviri iye zvino ave nemakore (16) , mukadzi wechi (4) ndakamuroora ane makore (11) ane mwana mumwechete iye zvino ava nemakore (14).
Vakadzi vandirikuroora ava nevana vacho vanondibatsira zvakananga ndinoita loss ndakavashaya, kereke yedu ine mutemo wekuti zvaranayi muwande, hatishandisa mapiritsi ekuti mimba isabate kana kumirira mwana kuti akure.
Kereke yedu yeMarange handifanire kuisiya, handikwanise kushanda ndiri ndega, vakadzi vangu ndivo vanondishandira.