
Video irikuteredzwa pa +263787876754 WhatsApp group – Akaba zvinhu zveN’anga hama dzacho ndokuudzwa kuti varikufanira kuripa kuitira kuti mwana wavo uyo ainge orwara nezvinhu zvaakaba aoronorwe, hama dzacho ndokubva dzaoma musoro ndokuregera kubhadhara zvainge zvichidiwa paku oronorwa kwemwana wavo.
Pasina mazuva matatu mbavha yacho ndokubva yafa. Hama ndokubva dzatakura chitunha kwava kunotsveta pamba peN’anga. Zvirikunzi vakagwaura gonhi ndokubva vatsveta chitunha mumba mematare eN’anga iyi.
Parikungotyirwa kuti mhuri iyi inogona kungofa yose……… Inzwa unzwe zvotaurwa neN’anga iya. Usadherere N’anga yechikadzi….. Video loading via group.