
Vice President pamwe negurukota rezvehutano, VaConstantino Chiwenga vanonzi vari kutyisidzira vanachiremba kuti vasaburitse chivimbiso chemudzimai wavo Marry Mubaiwa, uyo ari kuda kuti nyaya dzake dzimiswe kumatare edzimhosva nekuda kwehutano hwake husisina kumira mushe.
VaChiwenga, pachinzvimbo chavo segurukota rezvehutano, vanoongorora mabasa ekurapa munyika. Marry akanyimwa zvakare passport yake kuti abude munyika anorapwa kunze.
Dare rakanzwa nezuro kuti vanachiremba vakati wandei vakasangana naMarry vakaramba kumupa gwaro rekurapwa, vachiti vaitya murume wake ane simba anova mukuru wavo.
Nezuro Marry, akaenda kudare redzimhosva achifamba nechiwalker sezvo makumbo oora. Ari kupomerwa mhosva yekuyedza kuuraya Chiwenga. Ari kutarisanawo nemhosva yokuba mari uye kubiridzira.
Aimboita zvemodelling,arikurwara ne lymphoedema, chirwere chinokonzera kuzvimba kwemaoko nemakumbo.
Gweta rake, Beatrice Mtetwa, akaudza dare kuti haakwanise kumira pamberi pekutongwa uye akakumbira dare kuti rimbomira nyaya iyi kwemwedzi miviri sezvo chiremba anga achimubatsira amukurudzira kuzorora.