
Murume ane makore (22)azviuraya mushure mekurambwa nemusikana wake.
Desire Mungoma, Desire Mungoma, mudzidzi paGreat Zimbabwe University akawonekwa akafa nemushongwa unokuvadza musango kuAshdown Park, pame 2Km kubva kumba kwavo.
Mhuri iyi yati yaive yakamirira mhedzisiro kubva kupost-moterm anozovaudza kuti mwana wavo vanomuviga rinhi.
Mai Chariga amai vemurume uyu vanoti mwana wavo akazviuraya mushure mekurambana nemusikana wake Paula.
“Ndakafonera musikana wake ndichida kunzwa zvakaitika asi akanditi ndakamuudza handichadi tidanane, Desirw akati ndakuzviuraya.
“Ndakamuti saka mwana wangu akoshesa iwewe kudarika inini amai vake,” vanodaro.
“Mwana wangu ega uye ndakasiyana nababa vake.
“Ndakazviudza kuti ndichazorora kana mwana wangu apedza degree rake uye apa attachment.
“Ndaida kumuimbira kuti Nhasi ndezveduwo song pagraduation yake ndichiti mwana wangu iyeye asi zvaramba kuitika,” vanodaro vachichema.
“Ndakatanga kumutsvaga musiwe Saturday kubva na10 am kusvika na6 pm ndipo pandakaisa message muresidents WhatsApp group.
“Haana kunwa hwahwa uye mwana akanyarara.
“Ndakaenda kuMabelreign police station ndakaudzwa kuti ndizodzoka papera vhiki.
“Ndakazofonerwa ndichiudzwa kuti pane munhu aonekwa akafa musango,” amai vacho vanodaro.
Amai vemufi vanoti vakafonerwa naamai vemusikana vaida kunzwa kuti mwana arisei.
“Amai vaPaula vakandifonera vachibvunza zvaive zvaitika asi chavakafonera ndinochishaga nekuti mwana wavo aive asina kuroorwa nemwana wangu.
Amai vemukomana vanoti vakapemberera bhavhadeyi yemwana wavo uye vakamuudza kuti ashingirire abhdirire muhupenyu.
“Ndakaedza asi mwana wangu andisiya,” vanodaro.