
Mapurisa ekuMarondera, kudunhu reMashonaland East, asunga vechidiki vaviri avo vakarwisa zvakaipisisa mumwe murume ane makore makumi manomwe nematatu vachimupomera mhosva yekutadza kuburitsa zvakabuda mumutambo wenhabvu uyo waakaona.
Zvisinei Pondo (18) naKeith Matanewa (19) vekuSouthlawn Farm vari kupomerwa mhosva yekuponda zvichitevera kufa kwaLangton Mandibvira, uyo akakuvara zvakaomarara mushure mekukuvadzwa nevaviri ava.
Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Simon Chazovachiyi nezuro vakatsigira kusungwa kwevaviri ava.
“Ichi chiitiko chinorwadza. Imhosva huru kurova chero munhu uye nekudaro, vechidiki vari kukurudzirwa kuti vateerere mutemo uye vazvidzore pamwe nekuremekedza vakwegura, ”akadaro.
Mapurisa akati nemusi wa13 Chikumi kuma6 dzemasikati, Mandibvira aive munzira achibva kuKarimba School, kwaakange aenda kunoona mutambo wenhabvu weEuro 2020 paakasangana nevechidiki ava.
Zvinonzi vaviri vakabvunza mhedzisiro yemutambo wenhabvu, asi sekuru vakaramba vakanyarara ndokuenderera nerwendo rwavo.
Izvi zvakashatirisa vechidiki avo vakabva vanzi vakarova sekuru nezvibhakera nechimwe chinhu chisinganzwisisike.
Zvinonzi vechidiki ava vakabva vasiya mufi akarara asina chaanoziva ndokutiza kubva panzvimbo iyi.
Mumwewo mugari weko, uyo anonzi akaona chiitiko ichi, akaenda ndokuzivisa vamwe vemumusha, zvichikonzera kuti mapurisa aziviswe.
Mandibvira akaendeswa kuMarondera Provincial Hospital uko akanotanga kurapwa.Zvinhu hazvina kuzomira mushe sekuru vakaendeswa kuSally Mugabe Central Hospital, uko vakafira.
Vasungwa vakaiswa muchitokisi uye vari kutarisirwa kumira pamberi pedare mangwana.