
Regional Magistrates Judith Zuyu akapa murume anobva kuZaka akapiwa mutongo wake mushure mekubata muzukuru wake chibharo ane makore 15, akapiwa makore 19 arimujeri.
Innocent Musviba (36) anobva kwaChief Ndanga achagara makore 17 arimujeri mushure mekubviswa mamwe makore maviri.
Mwanasikana akabatwa chibharo aigara naambuya vake, Musviba akapinda muimba yokubikira ndimo mairara musikana uyu, akamubvisa mbatya dzake zvenharo akamurova dzini. Akamutyisidzira kuti akataura anomuuraya.
Akamurova sinhi kaviri, pechipiri akamudhonzera muimba yokubikira akamubata chibharo, mwanasikana uyu akaruma paruoko akatiza pamba pevavakidzani vavo.
Muvakidzani ndiye akanotaura nyaya iyi kumapurisa Zuyu achibva asungwa.
Zuyu aiedza nepose kuramba mhosva yake kudare asi aiti akamunyepera kuti aimurova sinhi asi aimurova nenyaya yekuita musikanzwa.
Amai vaZuyu vaiedza kubatsira mwana wavo nekunyepera dare kuti ainyepa kuti akabatwa chibharo asi vaimurova nenyaya yemusikanzwa.