
Sangano revarairidzi vekumaruwa, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti varairidzi vanofanira kukwikwidza musarudzo dzichaitwa muna 2023 kuitira kuti vasimudzire zvido zvevarairidzi muzvirongwa zvakakosha.
Vachitaura neCITE, mutungamiri wesangano reARTUZ, VaObert Masaraure, vatsinhira nyaya iyi vachiti ARTUZ inoda kuendesa varairidzi kumakanzuru neNational Assembly kuti vasimudzire nekuchengetedza zvido zvavo.
Vati mubatanidzwa waona musiyano mukumiririrwa kwakanaka kwenyaya dzedzidzo mumakanzuru nemuparamende.
Sangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ rinokoka varairidzi vanenge vachida kukwikwidza sevanhu vachakwikwidza zvigaro zveCouncil neHouse of Assembly musarudzo dza2023 Harmonized kuti vanyorese kwatiri kuti vawane rutsigiro,” vakadaro VaMasaraure.
Vakawedzera kuti vakuru vematunhu ndivo vane zvikoro uye zviri mukuona kwesangano revadzidzisi kuti panoda kuti varairidzi vavewo mukuita sarudzo dzekusimudzira mafambisirwo edzidzo.
“Muparamende, pachine ma-gap anocherechedzwa mugwaro remitemo pamusoro pezvido zvedzidzo.
Sangano reMubatanidzwa rakavhurika kushanda nevadzidzisi vemapato ese ezvematongerwo enyika kunyangwe vakakwikwidza vakazvimirira vanotevedza gwara rehunhu rinofanirwa kupihwa kune vanenge vanyoresa,” vakadaro VaMasaraure.
Vati kunyoresa kuvhota kuchavharwa pachavhara dare repamusoro reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?