
Video ririkutenderedzwa pa +263775934930 WhatsApp group parikuonekwa zvaitika apo vanhu 20 vaurayiwa munjodzi inotyisa yaitika mumugwagwa we Masvingo-Mbalabala nenguva dza3: 45 manheru neMuvhuro uno, mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) azivisa izvi.
Mapurisa achitaura anoti, Toyota Granvia iyo yanga ichifamba ichibva kuMasvingo ichienda Zvishavane yaputika vhiri zvichizoita kuti mutyairi atadze kudzora mota yake.
Gravia yapinda munzira yanga ichiuya neToyota Wish ichibva nenzira yeZvishavane ndokubva mota mbiri idzi dzamonderana zvakasimba sezvo dzose dzanga dzichimhanya.
Tsaona iyi yaitika padhuze neChitowa Business Centre, Mhandamabwe.
Vatatu vakuvara zvakaipisisa vakaendeswa kuZvishavane District Hospital apo mitumbi yevafa ichibva yaendeswa kuMasvingo Provincial mortuary.