
Imwe nhengo yebato reCitizens’ Coalition for Change kuWard 15 kuBikita East mudunhu reMasvingo, VaEdmore Chikomba, vanoti vakapisirwa imba yavo neChishanu masikati muchiitiko chavanofunga kuti chine chekuita nezvematongerwo enyika.
VaChikomba, avo vasina kuda kudoma munhu kana bato ringadai rakaita izvi, vanoti zvinogona kunge zvakakonzerwa nekuti vari kuda kukwikwidzawo sacouncilor muwadhi mavo.
VaChikomba vakarasikirwa nemidziyo yavo yose inosanganisira magumbeze, chikafu pamwe nemagwaro ekuberekwa kwevana uye zvitupa zvavo ivo nemudzimai izvo zvakanga zviri mumba umu.
Bata Makhoti paWhatsApp uwane video racho rose
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?