
Vanhu vaviri vakafa vamwe vakakuvara mumugwagwa weHarare-Nyamapanda Highway nezuri apo Toyota Wish yaifamba ichibva kuHarare inonzi yaputika vhiri repamberi, ikabuda mumugwagwa ndokuumburuka isati yamhara parutivi.
Tsaona iyi yakaitika makiromita maviri kubva paBhora Business Centre muMurewa.
Zvirikunzi zvakakonzeresa tsaona iyi mutyairi weToyota Wish aida kupfuura ngoro yainge yakatakura vanhu, munguva iyoyo, vhiri remotokari rekumberi rakabva raputika uye mutyairi akatadza kuidzora.