
Sachigaro webhodhi reNational Social Security Authority, NSSA, VaPercy Toriro, vazvipira kusiya basa vachiti havachanyanyi kugara munyika muno kwenguva yakareba.
VaToriro munhu wechishanu kusiya bhodhi reNSSA papera makore manomwe vari pabasa, masachigaro ebhodhi nemamaneja makuru anonzi haatokwanisi kugara pabasa kwemakore anodarika maviri.
Mashoko ari kubuda anoti NSSA yaironga kumisa VaToriro chero nguva. Vange vari kunze kwenyika kubva muna Gumiguru gore rapfuura uye vaingopinda misangano yebhodhi kuburikidza nemavideo call.
Mutsamba yavo yekusiya basa kugurukota rezvevashandi nekugara zvakanaka kwevanhu, VaPaul Mavima, svondo rapfuura, VaToriro vakanyora kuti:
“Kuenderera mberi netsamba yangu ya28 Zvita 2022, ndinoshuvira kukuzivisai kuti ndicharamba ndisipo ndichiita basa rekupa mazano pakurongwa kwemadhorobha mumaguta mashoma mukondinendi yeWest Africa. Ndinoonawo futi kuti kuno kunoramba kuine basa rakawanda rakandimirira uye ndinogona kutadza kudzoka ikoko nekukasira.”
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?